1 Chronicles 1

Zvinyorwa zvenhoroondo kubva kuna

Adhamu kusvika kuna Abhurahama

Kusvika kuvanakomana vaNoa

1Adhamu, Seti, Enoshi,
2Kenani, Maharareri, Jaredhi,
3Inoki, Metusera, Rameki,
Noa.

4Vanakomana vaNoa vaiva: Shemu, Hamu, naJafeti.

VaJafeti

5Vanakomana vaJafeti vaiva:
Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Tubhari, Mesheki naTirasi.
6Vanakomana vaGomeri vaiva:
Ashikenazi, Rifati naTogarima.
7Vanakomana vaJavhani vaiva:
Erisha, Tashishi, Kitimi naRodhanimi.

VaHamu

8Vanakomana vaHamu vaiva:
Kushi, Miziraimi, Puti naKenani.
9Vanakomana vaKushi vaiva:
Sebha, Havhira, Sabata, Raama naSabhiteka.
Vanakomana vaRaama vaiva:
Shebha naDedhani.
10Kushi aiva baba vaNimurodhi;
uyo akakura akava murwi mukuru panyika.
11Miziraimi aiva baba
vavaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi,
12vaPatiri, vaKasiruhi (umo makazobvawo vaFiristia) navaKafitori.
13Kenani aiva baba
vaSidhoni dangwe rake, nevaHiti,
14vaJebhusi vaAmori, vaGirigashi, 15vaHivhi, vaAriki, vaSini, 16vaArivhadhi, vaZemari nevaHamati.

VaSemi

17Vanakomana vaShemu vaiva:
Eramu, Ashua, Arifakisadhi, Rudhi naAramu.
Vanakomana vaAramu vaiva:
Uzi, Huri, Geteri naMesheki.
18Arifakisadhi aiva baba vaShera,
uye Shera aiva baba vaEbheri.
19Vanakomana vaviri vakaberekerwa Ebheri:
mumwe ainzi Peregi, nokuti panguva yake nyika yakanga yakakamurana; mununʼuna wake ainzi Jokitani.
20Jokitani aiva baba
vaArimodhadhi, Sherefi, Hazarimavheti, Jera,
21Hadhoramu, Uzari, Dhikira, 22Obhari, Abhimaeri, Shebha, 23Ofiri, Havhira naJobhabhi. Ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.

24Shemu, Arifakisadhi, Shera,
25Ebheri, Peregi, Reu,
26Serugi, Nahori, Tera
27naAbhurama (iye Abhurahama).

Mhuri yaAbhurahama

28Vanakomana vaAbhurahama vaiva: Isaka naIshumaeri.

Zvizvarwa zvaHagari

29Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvavo:
Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami,
30Mishima, Dhuma, Masa, Hadhadhi, Tema, 31Jeturi, Nafishi, naKedhema.
Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri.

Zvizvarwa zvaKetura

32Vanakomana vakaberekwa naKetura, murongo waAbhurahama vaiva:
Zimirani, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua.
Vanakomana vaJokishani vaiva:
Shebha naDhedhani.
33Vanakomana vaMidhiani vaiva:
Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha.
Ava vose vaiva zvizvarwa zvaKetura.

Zvizvarwa zvaSara

34Abhurahama aiva baba vaIsaka.
Vanakomana vaIsaka vaiva:
Esau naIsraeri.

Vanakomana vaEsau

35Vanakomana vaEsau vaiva:
Erifazi, Reueri, Jeushi, Jaramu, naKora.
36Vana vaErifazi vaiva:
Temani, Omari, Zefo, Gatami, naKenazi;
naTimina, vakabereka Amareki.
37Vanakomana vaReueri vaiva:
Nahati, Zera, Shama naMiza.

VaSeiri muEdhomu

38Vanakomana vaSeiri vaiva:
Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, Dhishoni, Ezeri naDhishani.
39Vanakomana vaRotani vaiva:
Hori naHomami, Timina aiva hanzvadzi yaRotani.
40Vanakomana vaShobhari vaiva:
Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami.
Vanakomana vaZibheoni vaiva:
Aya naAna.
41Mwanakomana waAna
ainzi Dhishoni.
Vanakomana vaDhishoni vaiva:
Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.
42Vanakomana vaEzeri vaiva:
Bhirihani, Zaavhani naAkani.
Vanakomana vaDhishani vaiva:
Uzi naArani.

Vatongi veEdhomu

43Aya ndiwo aiva madzimambo aitonga muEdhomu kusati kwava namambo upi zvake aitonga muIsraeri vaiva:
Bhera mwanakomana waBheori, guta rake rainzi Dhinihabha.
44Bhera paakafa, Jobhabhi mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo.
45Jobhabhi paakafa, Hushami aibva kunyika yevaTemani akamutevera paumambo.
46Hushami paakafa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi uyo akakunda Midhiani munyika yaMoabhu akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Avhiti.
47Hadhadhi paakafa Samira aibva kuMasireka akamutevera paumambo.
48Samira paakafa, Shauri aibva kuRehobhoti parwizi akamutevera paumambo.
49Shauri paakafa Bhaari Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo.
50Bhaari Hanani paakafa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Pau uye mudzimai wake ainzi Mehetabheri, mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMe-Zahabhi. 51Hadhadhi akafawo.

Madzishe eEdhomu aiva:
Timina, Arivha, Jeteti
52Ohoribhama, Era, Pinoni, 53Kenazi, Temani, Mibhiza, 54Magidhieri naIrami.
Aya ndiwo aiva madzishe eEdhomu.
Copyright information for SnaBDSC